Gore (original) (raw)

Gore (Chirungu: year) muchidzidzo cheSayinzi vanoti: Rinopasi rinodzunguruka richitevera boterekwa rakakomberedza zuva. Nguva inotorwa neRinopasi richipoterera zuva kamwe inonzi Gore.

Pakufamba kwegore nyika inopfuura mwaka yakasiyana-siyana inoonekwa: nokushanduka kwemamiriro ekunze; kureba kwenguva iri pakati pakubuda nokuvira kwezuva; chimiro chemiti nebundo; uye michero inowanikwa panzvimbo. Gore rine misi mazana matatu nemakumi matanhatu nemashanu kana riri makore nje. Kana rasvika gore remucharikwa (leap year) rine mazuva mazana matatu nemakumi matanhatu nematanhatu.

Gore repa_Calendar_ ndiyo nguva iri pakati pemisi miviri ine zita rimwechete pa_Calendar_.

Hafu yegore inokwanisa kutanga January ichipera June kana kutanga July ichipera December.

Gore rinopimwa nedzimwe nzira dzakawanda.

Gore repaCalendar rinoda kuenderana nedendera rePasi parinopoterera zuva. Gore repaCalendar yaGregory (uye Calender yaJulian) rakareba mazuva 365 kana kuti 366 kana riri gore remucharikwa (Leap Year).

Shoko rokuti makei rinoshaniswazve kureva gore.